Zimpraise - Wauya Mucheki Mukuru (Tatenda Chisunga)
Автор: Zimpraise Legacy TV
Загружено: 2021-09-17
Просмотров: 156177
Описание:
Taken Off Zimpraise Hymns Night 1 led by Tatenda Chisunga.
Lyrics:
Wauya Wauya Mucheki Mukuru
1.
Wauya Wauya Mucheki mukuru;
Vanhu vachaona Ishe wokudenga.
Vanogozomutswa vari kumakuva;
Avo vovonekwe vose pakachena.
2.
Zvinhu zvatinoona zvose zvichatsva,
Makomo mapako zvichanyongodeka.
Zuva richadzimwa, mwedzi uchapera,
Vakaipa vachashaiwa pokuvanda.
3.Mucheki wosvika nehondo huru
Hondo inouya yavanyai vedenga
Nameso omucheki mukuru aone,
Zvinhu zvakavanda, zvinhu zvakaipa.
4.
Vatadzi vanova nokutya kukuru,
Vanogodedera pameso’mucheki.
Vasakarurama vachazoparadzwa,
Vaiswe munzvimbo yokutambudzika.
5.
Regai zvakaipa, mutye mururame,
Munzwe inzwi raShe, munamate mose.
Zviteurirei, mutsvake netsitsi,
Inguva nazvino,
Uayi mugamuchire.
Повторяем попытку...
Доступные форматы для скачивания:
Скачать видео
-
Информация по загрузке: