Hona pava kuda kusvika hondo yekushandurwa kwebumburo remutemo!
Автор: Jolaz TV-FM News
Загружено: 2026-02-16
Просмотров: 1951
Описание:
VP Chiwenga naVaTendai Biti vari kunzi vanogona kusvogodorwa neZanu PF kana vakada kuita serious nekuita hurongwa hwekubata!
Mashoko ari munyika ari kuti VaChiwenga vatadza kuenda kunobata maoko emumwe wavo Cde Blessed Geza, vachitya Zanu PF!
VaDaniel Garwe vazivisa nezwi rine kakutyisidzira kuvanhu vese vari munyika vachiti kushandurwa kwebumbiro remutemo hapana anogona kukumisa!
Zanu PF yatambira nhengo itsva dzatiza kurutivi rwaVaChamisa, dzichibva dzazivisa zviri pachena kuti dzava kujoinha bato reZanu PF!
Rufu rwaVaGeza rwakonzeresa kupanduka kwevanhu kutsva vachiramba zvaED2030, zvichiratidza sekuti munyika masara mhepo yaCde Geza, ichanetsa kuitandanura!
Zanu-PF yasarudza kuignowa kuenda kurufu rwaCde Blessed Geza, pasina chairi kutaura chinobatika kuti sei yaregera kubatirana pamwe nemhuri yekwaGeza!
Magweta eZanu PF ari kupikisana nemagweta everuzhinji achiti kuwedzerwa kwenguva yaVaMnangagwa kuri kuitwa zviri pamutemo!
Fadzayi Mahere anoyeuchidza Zanu-PF kuti isakanganwi kuti pakabviswa VaMugabe yainge iri nyaya yakanzi nemasoja mutemo wenyika wainge wava kumbunyikidzwa!
Mauto aya akagumisa hutongi hwaVaMugabe vachivapomera mhosva yekushonyorora mutemo, ari kutarisirwa kubuda zvakare nepfuti achigumisa hutongi hwaVaMnangagwa!
VaMnangagwa vanoita VaMpabanga gamba renyika, ndokuregerawo kuita VaGeza gamba renyika!
WhatsApp Channel
https://whatsapp.com/channel/0029VbAm...
Повторяем попытку...
Доступные форматы для скачивания:
Скачать видео
-
Информация по загрузке: